Masowe EChishanu Archives

Masowe eChishanu Videos, Audios, Pictures and News๐Ÿ•Š๏ธ

07/03/2024

Big shout out to our newest top fans! ๐Ÿ’Ž

Servias Munyanyiri, Eugenia Goriondo Msanhi, Patricia Musoni, Agneta Chatikobo, Sthokozile Chikomo, Evernice Mhlanga, Ivory Borisa, Constance Chikorowondo, Tawanda Shoko, Amon Gwanyanya

19/02/2024

Kunoenda vanemwenje ๐Ÿ•Š๏ธ

08/02/2024

Kana nyika ikaramba...๐Ÿ•Š๏ธ

31/01/2024

Tipeiwo mhinduro baba ๐Ÿ™๐Ÿ•Š๏ธ

27/01/2024

Baba tinemhere yatinayo ๐Ÿ™

27/01/2024

Zvandaifamba mhiri yegungwa ๐Ÿ•Š๏ธ

12/01/2024

Tichamira naIsaka pakufa๐Ÿ•Š๏ธ๐Ÿ’ฏ

10/01/2024

Andiriya ndoda kufamba newe ๐Ÿ•Š๏ธ๐Ÿ™

10/01/2024

Jona muka nguva yakwana ๐Ÿ•Š๏ธ๐Ÿ™

22/12/2023

Chauya chikomborero chemweya mutsvene ๐Ÿ’ฏ๐Ÿ”Š๐Ÿ™

17/12/2023

Ibasa remweya mutsvene ๐Ÿ’ฏโœ…

Photos from Masowe EChishanu Archives's post 14/12/2023

Rufaro kwamuri.

Kumasowe tinokurudzira kuti ngatichenei vanhu vamwari. Magemenzi ngaawachwe, ngaa ainwe. Ngatipfekei nguwo dzakanaka. Kupfeka gemenzi rachinja from white to Khaki tichiti ndiro rinemuteuro hazvisizvo vanhu vamwari.

Ndatenda hangu, moswera zvakanaka ๐Ÿ™

12/12/2023

Postori yababa ๐Ÿ’ฏโ™ฅ๏ธ

09/12/2023

To those who would like to join us on WhatsApp, please click this blue link to join and follow our channel. If you follow the channel, you will also be able to view the stuff posted before you joined.

[Kune avo vanoda kutijoina bayai link re blue iri mo follower channel redu pa WhatsApp. Kana ma joiner munokwanisa kuona futi zvimwe zvakaipostiwa musati majoiner. Ndiwo musiyano we channel ne group.]

Channel Link:

https://whatsapp.com/channel/0029VaEOTUpCxoB1vwjITi2Q

Thank you, Maita basa. Komborerwai ๐Ÿ™

whatsapp.com

06/12/2023

As long as uchirikurarama panyika:

1) Usazo seka mwana wemumwe amitiswa.

2) Usazoudza vanowana mawaniro aripasi pako kuti marombe.

3) Usazoseka kana kutuka munhu anoenda kumasowe.

Ndatenda hangu ndatenda ๐Ÿ™

01/12/2023

MASTANZA EVHESI KUDZAI GABHURIYERI

1. Kudzai Gabhuriyeri mutungamiri wengirozi

2. Anofamba naDhaikoro mutungamiri wemweya

3. Bvenekera mai Maria utitungamirire

4. Tungamira Mai Maria tungamira nemoyo muchena

5. Moyooo moyo muchena moyo muchena waYeso Kristu

01/12/2023

KUVHURA MUNAMATO
----------------------------------------

Haaareruyaaa

Aaa Ameen.๐Ÿ™

Muzita renyu Baba nereMwanakomana nereMweya mutsveneee.

Aaaa Aamen.๐Ÿ™

Ishe Jeso Kristu weNazareta musiki waro denga nenyika, tinosheedzera mbiri huru kupenya kunaGabhuriyeri naMaikoro, vatungamiri vengirozi nemweya kudenga tichiti Gabhurieri gamuchira miteuro yedu uise pana Peter, Peter akapiwa key dzedenga nekutenda kwaakaita, Peter zarura suwo guru Gabhurieri apinde nemiteuro aise pana Kristu, Kristu atore minamato yedu aise pachigaro chababa chinoyera, chakapotwa nechita chengirozi dzevana vacheche, mbiri mazana manomwe nemakumi nemwenje minomwe, inorarobvira usiku nemasikati kuwirikidza umambo hwekudenga uko kunoraroimbwa hosanna, giroriya, ariruya...ngaaafare Piyo pasi nekudengaaa

Aaaaa Aaamen ๐Ÿ™

KUVHARA MUNAMATO
----------------------------------------

Chinzwai zvino Baba tavekusiya kushevedzera minamato tichiti, makomborero eMwanakomana akabaiwa mhiri yegungwa pasina mhaka yaakapara, dzaive tsitsi unyoro kuwadzana kwemweya mutsvene kwatinorarochema usiku nemasikati, dai kwaputsirwa muhana dzevanokutendai nevasingakutendei, kuti vose vanokutendai vagogamuchidzwa kupona katatuuu kasingagumeee.

Aaaa Aamen ๐Ÿ™

28/11/2023

MA STANZA EVHESI MUTUNGAMIRI GABHURIERI

1. Mutungamiri Gabhurieri, Tungamira
2. Kwakatanga Gabhurieri kuchema nenzira
3. Ndiwe nzira Gabhurieri yeparushanga
4. Kuchema chema Gabhurieri, kuchemera ngirozi
5. Kushingaira Gabhurieri kushingaira Gabhurona kushingira ngirozi
6. Tinomutenda Gabhurieri tinomutenda wakatichengeta
7. Aye ayeyeye eisinai

28/11/2023

CHII CHINONZI MIKO NEMIRAIRO (MIRAWU)?

MIKO:

Izvi ndizvo zvinhu zvakanzi isu vanamata chitendero cheJowani masowe hatidyi. Tikadya zvinhu izvozvo zvinodzima rupawu nembiri inonzi Jowani muropa redu. Rupawu nembiri iya zvatinopihwa tichibatwa pamusoro kana patinozodzwa mbiri paya runodzima. Zvinodzima muchiso zvinodzima muteuro unonzi Abrahama muropa redu.

MIRAIRO

Idzi ndidzo tsika, hunhu, magariro, mafambiro nerudzi rwemanamatiro atakanzi tiite isu vanonamata kunamata kwe Jowani masowe.

N:B: PaMiko neMirairo apa pane yakauya nevakatumwa kozoita yesangano sekuti:

โ—พHatidyi nguruve (Muko wababa Jowani)
โ—พMusowe muno hamudyiwi kana kumwiwa zvinotapira (Muko werenje/wesangano. Uyu hauwanikwi kumasangano ese.)

28/11/2023

TSIKA (MURAWU) WEKUMASOWE:

Panoimbwa kudzai Gabhurieri kana Hozana hakuna anotenderwa kusimuka kana kufamba famba. Ikaimbwa uchitofamba kupinda paungano panevamwe unotopfugama kana kugara pauri ipapo wozosimuka vanhu vapedza kuimba.

25/11/2023

MAVHESI EKUVHURA SANGANO:

1. Tora nzvimbo yako (muchangobva kunozodzwa mbiri kana kutandwa midzimu nemashavi)

2. Kudzai Gabhuriyeri (Muzuva reFriday haaimbwi nechikonzero chekuti munenge makamuimba muzuva reChina pazambara sekuti China neChishanu mazuva maviri akaiswa muzuva rimwe akanzi ndiro sabata redu - Kristenz, Jestenz).

3. Iwe reurura upone mwana weIsirairi

4. Chiuyai vatendi tivake sangano

5. Tinokwazisaana nehwai dzababa

6. Eriya eriiiya taunganaa (mavhesi ekuungana matatu then baba wekutanga otosimuka otovhura masowe)

22/11/2023

DZIDZISO YEKUMASOWE

โ–ช๏ธ Murume anotongwa nemukadzi haapinde denga, uyewo mukadzi anotonga murume haapinde denga. Vese vari vaviri murume ne mukadzi havana nhaka kuna Abrahama vakatukwa na Isaka.

โ–ช๏ธ Ana madzibaba vane vana varikunze munofanirwa kunovatora mugare navo mese, madzimai varipo hamufanirwe kuitira vana ivavo ruvengo kana godo kuti muwanirwe mbiri kumatare

โ–ช๏ธ Ana madzibaba endai munobvisira pfuma madzimai ese amakabisa humhandara kuti miteuro yenyu igashirwe nehondohwe.

โ–ช๏ธ Ana Madzimai vakambobvisa mimba munosungirwa kuita chireururo cheupombwe nechekuuraya monogezwa ngozi inokuteverai kumazuva kuti muwanirwe nyasha Kuna Abrahama na Isaka.

โ–ช๏ธ Mudare ane mukadzi asinganamati kuMasowe haabvumidzwe kuvhura munamato,haaparidze mutemo, haabati vanhu pamusoro, haazodzi vapostori mbiri kana kukweshera midzimu nemashavi.

โ–ช๏ธ Madzibaba asina kubvisa pfuma vari kuchaya mapoto nzvimbo yavo kudenga hakuna zvakare nhaka kuna Abrahama havana.

โ–ช๏ธ Madzibaba vanotambira pfuma yevana varoorwa nevaHedheni vekunyika vanenge vatengesa ropa. Zvakafa hazvina muteuro kuna Abrahama.

โ–ช๏ธ Mupostori haatenderwe kuroora kana kuroorwa kunze kwesangano.

โ–ช๏ธ Mudzimai anopfeka nguwo pfupi dzisingapfuuri mabvi,see through, guvhu out, bendekete out, anopenda muromo kana nzara haana nhaka kuna Abrahama akatukwa na Isaka.

โ–ช๏ธ Muporofita wechidzimai haabvumidzwe kunemba chipiyaniso kumadzibaba pahuma kana pazvipfuva zvavo achishandisa ruoko rwake, haabvumidzwe kupatsanura matare akamira kana kutora tsvimbo yedare oitisa muteuro kana kuita miteuro yekutenderera zambara.

โ–ช๏ธ Hossana yemiteuro haibvumidzwi kushaurwa chero nani zvake asi vaDhama vakuru.

โ–ช๏ธ Mukadzi haarambirwi hutsvina ,huroyi kana husimbe. Anorambirwa zvinhu zviviri bedzi zvinoti kuramba kunamata kuMasowe kunoenda murume kana kuti aita chivi cheupombwe.

โ–ช๏ธ Mukadzi ane murume asinganamati kuMasowe haabvumidzwe kurambira murume bonde musi weChina achiti isabata nekuti
ndiye waakavinga.

โ–ช๏ธ Mukadzi ane murume asinganamati kuMasowe haabvumidzwe kurambira kubikira murume wake muriwo waanoda achiti zvakarambidzwa kuMasowe. Anosungirwa kubika achifara chaizvo omupa odya. Chisingabvumirwe kuzoravira.

โ–ช๏ธ Mukadzi anokakavara kana kurambira murume wake zvaanoda haana muteuro kuna Abrahama.

โ–ช๏ธ Muviri wemukadzi ngauzikanwe naiye muridzi anova murume wake bedzi uye nengirozi inomuchengeta.

โ–ช๏ธ Muporofita, mudare kana musondosi ane mwana musango haana basa paMasowe kana ropa rake riri kunze kwemusha.

โ–ช๏ธ Vasiri kuchengeta Baba na Amai vekuvabereka vachivati varoyi budai musangano raJohane muri kunamata sangano risiri iro.

โ–ช๏ธ Vakapomba nezvipfuyo endai parushanga muwanirwe kanganwiro nekuti nzvimbo dzenyu hadziko kudenga kana musina kuchenurwa.

โ–ช๏ธ Vane midzimu nemashave ngazvitange zvatsipikwa nekudzingwa muzorwe mbiri kuti mugozochengeta miko nemurawo.

NDOO SEMAFUNDIRO NDATENDA๐Ÿ™

20/11/2023

Zuva riye ndakanzwa ngoma kurira ๐Ÿ’ฏ ๐Ÿ”ฅ๐Ÿ”Š๐ŸŽถ

20/11/2023

Welcome vapostori veChishanu nguwo chena. Pano tino posta maVideos, maVhesi, Dzidziso kana Nhau dzirimumanamatiro kana chitendero chedu. Ndatenda, maita basa. Stay tuned. ๐Ÿ’ฏ

Want your business to be the top-listed Media Company in Harare?
Click here to claim your Sponsored Listing.

Videos (show all)

Big shout out to our newest top fans! ๐Ÿ’ŽServias Munyanyiri, Eugenia Goriondo Msanhi, Patricia Musoni, Agneta Chatikobo, S...
Kunoenda vanemwenje ๐Ÿ•Š๏ธ#chishanu #babajowani #Friday
Kusvikira Jesu Achiuya Tichinamata
Vanonamata vanosangana vachigovana kutenda ๐Ÿ•Š๏ธ
Kana nyika ikaramba...๐Ÿ•Š๏ธ#babajowani #Chishanu  #masowe
Ngavakomborerwe vanonamata St John yera ๐Ÿ™#babajowani #masowe #Chishanu
Tipeiwo mhinduro baba ๐Ÿ™๐Ÿ•Š๏ธ#masowe #Chishanu  #babajowani
Peter Mambo ๐Ÿ™
Baba tinemhere yatinayo ๐Ÿ™
Ngatifambei naro ๐Ÿ•Š๏ธ
Zvandaifamba mhiri yegungwa ๐Ÿ•Š๏ธ
Ndanga ndati mupone ๐Ÿ’ฏ๐Ÿ™

Category

Telephone

Website

Address

Harare
Other Digital creator in Harare (show all)
Twice King's Arts Twice King's Arts
Harare

The page is all about Art in evry way it could be by painting, music, designing, dance n other stuff

All Cruise Job Links All Cruise Job Links
Harare

๐Ÿ”‚Cruise ship Application Advice FREE!! ๐Ÿ”‚Cvs or Resumes Creation ๐Ÿ”„Interview tips for FREE!!

Takudzwa Hall Takudzwa Hall
Harare, 00000

Milky Way Inc Milky Way Inc
Harare

We are a beat making crew with our best local beatmakers

helpdeskzim helpdeskzim
7 Masotscha Ndlovu Way
Harare

We are a facilitator of learning which seeks to establish an active center for: > Research > Innovation > Development Our focus is on the teaching and learning of Science and Tech...

Mathew Billiat Mathew Billiat
Harare

Entrepreneur Finance consultant Self proclaimed therapist

Facultyofhustle Facultyofhustle
Lomering
Harare

facultyofhustle

dir_maxxy dir_maxxy
Harare, 263

Director @ Platinumshow studioz

GoldenKit Designs GoldenKit Designs
26 Dan Judson Road Milton Park Harare
Harare, 0000

We create Graphic Design content that helps improve your brand image and visibility.

Zimzim Tisu Zimzim Tisu
43 Drive
Harare